2 Kings 17:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakasiya mirairo yose yaJehova Mŋari waʋo, ʋakaɀiitira ɀifananidzo ɀakaʋumbga, ɀemhuru mbiri; ʋakaita ʋo matanda okunamata nawo, ʋakanamata hondo yose yokuɗeŋga, ʋakashumira Baari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakasiya mirayiro yose yaJehovha Mwari wavo vakazviitira zvifananidzo zviviri zvakaumbwa zvemhuru, uye nedanda reAshera. Vakanamata nyeredzi dzose dzokudenga, uye vakanamata Bhaari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakakanda pasi mitemo yose yaTenzi Mwari wavo vakazviumbira noutare hwakanyungurutswa zvifananidzo zvokunamata zvezvimhuru zviviri. Vakagadzirawo chifananidzo chokunamata chinonzi Ashera vakanamata gurusvusvu rezvinhu zvomudenga, vakanamatawo Bhaari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakasiya mirairo yose yaJehovha Mwari wavo, vakazviitira zvifananidzo zvakaumbwa, zvemhuru mbiri; vakaitawo matanda okunamata nawo, vakanamata hondo yose yokudenga, vakashumira Bhaari.
Shona 2009?
Vakasiya mirairo yose yaJehovha Mwari wavo, vakazviitira zvifananidzo zvakaumbwa, zvemhuru mbiri; vakaitawo matanda okunamata nawo, vakanamata hondo yose yokudenga, vakashumira Bhaari.
Shona SUB 2002 Bible
Vakasiya mirairo yose yaJehovha Mwari wavo, vakazviitira zvifananidzo zvakaumbwa, zvemhuru mbiri; vakaitawo matanda okunamata nawo, vakanamata hondo yose yokudenga, vakashumira Bhaari.