2 Kings 17:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo Jehova wakatsamŋira ʋaIsraeri kwaɀo, akaʋabvisa paciso cake; hakuna‐ʋakasiyiwa, asi rudzi rwaJuda ɓedzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo Jehovha akatsamwira Israeri zvikuru akavabvisa pamberi pake. Rudzi rwaJudha chete ndirwo rwakasara,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo Tenzi akashatirirwa kwazvo vokwaIsiraeri, akavabvisa pameso pake. Hapana vakasara kunze kwevedzinza rokwaJudha chete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo Jehovha wakatsamwira vaIsiraeri kwazvo, akavabvisa pachiso chake; hakuna vakasiyiwa, asi rudzi rwaJudha bedzi.
Shona 2009?
Naizvozvo Jehovha wakatsamwira vaIsiraeri kwazvo, akavabvisa pachiso chake; hakuna vakasiyiwa, asi rudzi rwaJudha bedzi.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo Jehovha akatsamwira VaIsiraeri kwazvo, akavabvisa pachiso chake; hakuna vakasiyiwa, asi rudzi rwaJudha bedzi.