2 Kings 17:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti wakabvarura ʋaIsraeri paimba yaDavidi; ʋakaita Jeroboami mŋanakomana waNebati, mambo waʋo, Jeroboami akatsausa ʋaIsraeri, ʋakarega kuteʋera Jehova, akaʋatadzisa neciʋi cikuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati abvarura Israeri kubva muimba yaDhavhidhi, vakaita Jerobhoamu mwanakomana waNebhati mambo wavo. Jerobhoamu akatsausa Israeri pakutevera Jehovha akavaita kuti vaite chivi chikuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakamwaura vokwaIsiraeri achivabvisa kune vemba yaDhavhidhi ivo vakagadza Jerobhoamu mwanakomana waNebhati paumambo. Jerobhoamu akatinhira vaIsiraeri kure naTenzi akavapinza muchitadzo chikuru kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti wakabvarura vaIsiraeri paimba yaDhavhidhi; vakaita Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, mambo wavo, Jerobhoamu akatsautsa vaIsiraeri, vakarega kutevera Jehovha, akavatadzisa nechivi chikuru.
Shona 2009?
Nokuti wakabvarura vaIsiraeri paimba yaDhavhidhi; vakaita Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, mambo wavo, Jerobhoamu akatsausa vaIsiraeri, vakarega kutevera Jehovha, akavatadzisa nechivi chikuru.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti wakabvarura VaIsiraeri paimba yaDhavhidhi; vakaita Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, mambo wavo, Jerobhoamu akatsautsa VaIsiraeri, vakarega kutevera Jehovha, akavatadzisa nechivi chikuru.