2 Kings 17:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋakaʋudza mambo weAsiria, ʋakati: Ndudzi dzaʋanhu dzamakatapa, mukaʋaisa mumaguta eSamaria, hadziziʋi tsika dzaMŋari wenyika iyo; naiɀoɀo wakatuma shumba pakati paʋo, dzinoʋaʋuraya, nokuti haʋaziʋi tsika dzaMŋari wenyika iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakazivisa mambo weAsiria kuti: “Vanhu vamabvisa mukavagarisa mumaguta eSamaria havazivi zvinodikanwa naMwari wenyika iyoyo. Akatuma shumba pakati pavo, dziri kuvauraya, nokuti vanhu havazivi zvaanoda.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndokubva zvasvitswa kuna mambo weAsiria zvichinzi, “Marudzi amakatuta mukaendesa kumaguta eSamaria haazive mutemo wamwari wenyika iyoyo. Naizvozvo akavatumira shumba. Zvino dzava kuvauraya nokuti havazive mutemo wamwari wenyika iyoyo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo vakaudza mambo weAsiria, vakati, “Ndudzi dzavanhu dzamakatapa, mukavaisa mumaguta eSamaria, hadzizivi tsika dzaMwari wenyika iyo; naizvozvo wakatuma shumba pakati pavo, dzinovauraya, nokuti havazivi tsika dzaMwari wenyika iyo.”
Shona 2009?
Naizvozvo vakaudza mambo weAsiria, vakati, "Ndudzi dzavanhu dzamakatapa, mukavaisa mumaguta eSamaria, hadzizivi tsika dzaMwari wenyika iyo, naizvozvo wakatuma shumba pakati pavo, dzino vauraya, nokuti havazivi tsika dzaMwari wenyika iyo."
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo vakaudza mambo weAsiria, vakati, “Ndudzi dzavanhu dzamakatapa, mukavaisa mumaguta eSamaria, hadzizivi tsika dzaMwari wenyika iyo; naizvozvo wakatuma shumba pakati pavo, dzinovauraya, nokuti havazivi tsika dzaMwari wenyika iyo.”