2 Kings 17:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo weAsiria akaraira, akati: Isai’ko mumŋe waʋaprista ʋamakatapa’po; ŋgaʋaende kundogara’ko, aʋadzidzise tsika dzaMŋari wenyika iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mambo weAsiria akarayira akati, “Itai kuti mumwe wavaprista vamakatapa kubva kuSamaria adzokere kunogarako agodzidzisa vanhu kuti mwari wenyika iyi anodei.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo weAsiria akabva ati, “Tumiraiko mumwe wavapristi vamakatapa ikoko, vaendeko vagareko vavadzidzise mutemo wamwari wenyika iyoyo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo weAsiria akaraira, akati, “Isaiko mumwe wavapristi vamakatapapo; ngavaende kundogarako, avadzidzise tsika dzaMwari wenyika iyo.”
Shona 2009?
Ipapo mambo weAsiria akaraira, akati, "Isaiko mumwe wavaprista vamakatapapo; ngavaende kundogarako, avadzidzise tsika dzaMwari wenyika iyo."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo weAsiria akaraira, akati, “Isaiko mumwe wavapristi vamakatapapo; ngavaende kundogarako, avadzidzise tsika dzaMwari wenyika iyo.”