2 Kings 17:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo mumŋe waʋaprista ʋaʋakatapa paSamaria, wakandogara paBeti‐eri, akaʋadzidzisa seɀaʋaifanira kutya Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka mumwe wavaprista vakanga vatapwa kubva kuSamaria akauya kuzogara muBheteri akavadzidzisa kunamata Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo mumwe wevapristi wavakanga vatapa kuSamaria akauya kuzogara muBhetieri akavadzidzisa kuti vanganamate sei Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo mumwe wavapristi vavakatapa paSamaria, wakandogara paBhetieri, akavadzidzisa sezvavaifanira kutya Jehovha.
Shona 2009?
Naizvozvo mumwe wavaprista vavakatapa paSamaria, wakandogara paBhetieri, akavadzidzisa sezvavanofanira kutya Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo mumwe wavapristi vavakatapa paSamaria, wakandogara paBhetieri, akavadzidzisa sezvavaifanira kutya Jehovha.