2 Kings 17:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋakatya Jehova, ʋakaɀitsaurira pakati paʋo ʋaprista ʋamatunhu akakwirira, ʋaiʋaɓayirira mudzimba dzamatunhu akakwirira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakanamata Jehovha, asi vakagadzawo mhando dzose dzavanhu vavo kuti vavashandire savaprista mudzimba dzenzvimbo dzakakwirira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vainamatawo Tenzi vachizvisarudzira vapristi pakati pavo pavanhu vakasiyana-siyana vachivapa basa munzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira, vaiva ndivo vokuvapirira zvibayiro mudzimba dzepanzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzacho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo vakatya Jehovha, vakazvitsaurira pakati pavo vapristi vamatunhu akakwirira, vaivabayirira mudzimba dzamatunhu akakwirira.
Shona 2009?
Naizvozvo vakasatya Jehovha, vakazvitsaurira pakati pavo vaprista vamatunhu akakwirira, vaivabayirira mudzimba dzamatunhu akakwirira.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo vakatya Jehovha, vakazvitsaurira pakati pavo vapristi vamatunhu akakwirira, vaivabayirira mudzimba dzamatunhu akakwirira.