2 Kings 17:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kuȿikira zuʋa ranhasi ʋanoteʋera tsika dzakare; haʋatyi Jehova, kana kuita seɀaʋanorairwa nemitemo yaʋo, kana ɀireʋo ɀaʋo, kana murairo waʋo, kana mirau yaʋo, yakaŋga yarairwa ʋana ʋaJakobo naJehova, iye waakatumidza zita rinonzi Israeri;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kusvikira nhasi vari kurambira mutsika dzavo dzekare. Havanamati Jehovha kana kuteerera mitemo nezvakatemwa, nemirayiro nemirau yakapiwa naJehovha kuvana vaJakobho, uyo waakatumidza kuti Israeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kusvikira pari nhasi vachiri kungoita zvavaiita kare. Havanamate Tenzi uye havachengete mirao iya kana zvirongwa kana mitemo iya kana zvirevo zvaTenzi zvaakatemera vana vaJakobho vaakati zita ravo rinzi Isiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kusvikira zuva ranhasi vanotevera tsika dzakare; havatyi Jehovha, kana kuita sezvavanorairwa nemitemo yavo, kana zvirevo zvavo, kana murayiro wavo, kana mirau yavo, yakanga yarairwa vana vaJakobho naJehovha, iye waakatumidza zita rinonzi Isiraeri;
Shona 2009?
Kusvikira zuva ranhasi vanotevera tsika dzakare, havatyi Jehovha, kana kuita sezvavanorairwa nemitemo yavo, kana zvirevo zvavo, kana murayiro wavo, kana mirau yavo, yakanga yarairwa vana vaJakobho naJehovha, iye waakatumidza zita rinonzi Isiraeri;
Shona SUB 2002 Bible
Kusvikira zuva ranhasi vanotevera tsika dzakare; havatyi Jehovha, kana kuita sezvavanorairwa nemitemo yavo, kana zvirevo zvavo, kana murairo wavo, kana mirau yavo, yakanga yarairwa vana vaJakobho naJehovha, iye waakatumidza zita rinonzi Isiraeri;