2 Kings 17:36 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi Jehova, wakakuɓuɗisai paEgipita nesimba guru, noruʋoko rwakatambanudzwa, ndiye wamunofanira kutya, ndiye wamunofanira kufugamira, ndiye wamunofanira kuɓayira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jehovha uyo akakubudisai kubva munyika yeIjipiti nesimba guru uye noruoko rwakatambanudzwa, ndiye oga wamunofanira kunamata. Ndiye wamunofanira kupfugamira uye ndiye wamunofanira kupa zvibayiro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi munofanira kunamata Tenzi nyakukuburitsai munyika yeIjipiti noukuru hwake nesimba guru. Ndiye wamunofanira kunamata, ndiye wamunofanira kugwadamira nokupira zvibayiro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi Jehovha, wakakubudisai paIjipiti nesimba guru, noruoko rwakatambanudzwa, ndiye wamunofanira kutya, ndiye wamunofanira kupfugamira, ndiye wamunofanira kubayira.
Shona 2009?
asi Jehovha, wakakubudisai paIjipiti nesimba guru, noruoko rwakatambanudzwa, ndiye wamunofanira kutya, ndiye wamunofanira kufugamira, ndiye wamunofanira kubayira.
Shona SUB 2002 Bible
asi Jehovha, wakakubudisai muIjipiti nesimba guru, noruoko rwakatambanudzwa, ndiye wamunofanira kutya, ndiye wamunofanira kupfugamira, ndiye wamunofanira kubayira.