2 Kings 17:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi mambo weAsiria wakati aciʋona kuti Hoshea woraŋgana naʋamŋe kumumukira, nokuti wakaŋga atuma nhume kunaSo mambo weEgipita, akarega kuterera mambo weAsiria mutero seɀaaiita gore rimŋe nerimŋe, mambo weAsiria akamupfigira mutoroŋgo akamusuŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi mambo weAsiria akazoziva kuti Hoshea yaiva mhandu, nokuti akanga atuma nhume kuna So, mambo weIjipiti, uye akarega kuripa mutero kuna mambo weAsiria, sezvaaisiita gore negore. Naizvozvo Sharimaneseri akamubata akamuisa mutorongo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mambo weAsiria akazozviziva kuti Hoshea apanduka pamusana pokuti Hoshea akanga atumira nhume kuna So mambo weIjipiti uyewo akanga asina kubvisa mutero waaisibvisa kuna mambo weAsiria gore negore. Naizvozvo mambo weAsiria akamuzaririra mujeri akamusunga imomo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi mambo weAsiria wakati achiona kuti Hoshea akarangana navamwe kumumukira, nokuti wakanga atuma nhume kuna Soromoni mambo weIjipiti, akarega kuterera mambo weAsiria mutero sezvaaiita gore rimwe nerimwe, mambo weAsiria akamupfigira mutorongo akamusunga.
Shona 2009?
Asi mambo weAsiria wakati achiona kuti Hoshea akarangana navamwe kumumukira, nokuti wakanga atuma nhume kuna Soromoni mambo weIjipiti, akarega kuteerera mambo weAsiria mutero sezvaaiita gore rimwe nerimwe, mambo weAsiria akamupfigira mutirongo akamusunga.
Shona SUB 2002 Bible
Asi mambo weAsiria wakati achiona kuti Hoshea akarangana navamwe kumumukira, nokuti wakanga atuma nhume kuna Soromoni mambo weIjipiti, akarega kuteerera mambo weAsiria mutero sezvaaiita gore rimwe nerimwe, mambo weAsiria akamupfigira mutorongo akamusunga.