2 Kings 17:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iɀoɀo ɀakaitwa, nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakatadzira Jehova Mŋari waʋo, iye wakaŋga aʋaɓuɗisa panyika yeEgipita kwaʋakaŋga ʋakaɓatwa naFarao mambo weEgipita, ʋakatya ʋamŋe ʋamŋari,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Izvi zvose zvakaitika nokuda kwokuti vaIsraeri vakanga vatadzira Jehovha Mwari wavo, akanga avabudisa kubva muIjipiti pasi poruoko rwaFaro mambo weIjipiti. Vakanamata vamwe vamwari
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvi zvakaitika pamusana pokuti vaIsiraeri vakanga vatadzira Tenzi, Mwari wavo nyakuvaburitsa kunyika yeIjipiti kwavaitongwa vari mumaoko aFarao mambo weIjipiti vakangawo voremekedza vamwe vamwari
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Izvozvo zvakaitwa, nokuti vana veIsiraeri vakatadzira Jehovha Mwari wavo, iye wakanga avabudisa panyika yeIjipiti kwavakanga vakabatwa naFarao mambo weIjipiti, vakatya vamwe vamwari,
Shona 2009?
Izvozvo zvakaitwa, nokuti vana vaIsiraeri vakatadzira Jehovha Mwari wavo, iye wakanga avabudisa panyika yeIjipiti kwavakanga vakabatwa naFarao mambo vakatya vamwe vamwari,
Shona SUB 2002 Bible
Izvozvo zvakaitwa, nokuti vana veIsiraeri vakatadzira Jehovha Mwari wavo, iye wakanga avabudisa panyika yeIjipiti kwavakanga vakabatwa naFarao mambo weIjipiti, vakatya vamwe vamwari,