2 Kings 18:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti haʋana‐kuterera inzwi raJehova Mŋari waʋo, asi ʋakaɗarika suŋgano yake, iɀo ɀose ɀaʋakaŋga ʋarairwa naMosesi muranda waJehova, ʋakaramba kunzwa, kana kuɀiita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Izvi zvakaitika nokuti vakanga vasina kuteerera Jehovha Mwari wavo, asi vakanga vadarika sungano yake nezvose zvakanga zvarayirwa naMozisi muranda waJehovha. Vakaramba kunzwa mirayiro kana kuiita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti havana kuteerera zvakanga zvataurwa naTenzi, Mwari wavo, vakatyora chitenderano chake, kunyange zvose zvavakaudzwa naMosesi muranda waTenzi, havana kumbozviteerera kana kuzviita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti havana kuteerera izwi raJehovha Mwari wavo, asi vakadarika sungano yake, izvo zvose zvavakanga varairwa naMosesi muranda waJehovha, vakaramba kunzwa, kana kuzviita.
Shona 2009?
nokuti havana kuteerera inzwi raJehovha Mwari wavo, asi vakadarika sungano yake, izvo zvose zvavakanga varairwa naMozisi muranda waJehovha, vakaramba kunzwa, kana kuzviita.
Shona SUB 2002 Bible
nokuti havana kuteerera izwi raJehovha Mwari wavo, asi vakadarika sungano yake, izvo zvose zvavakanga varairwa naMosesi muranda waJehovha, vakaramba kunzwa, kana kuzviita.