2 Kings 18:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Hezekia mambo waJuda akatuma shoko kunamambo weAsiria paRakishi, akati: Ndatadza, dzokai henyu mubve kwandiri; ɀose ɀamunoreʋa kwandiri ndicaɀiripa. Ipapo mambo weAsiria akaripisa Hezekia mambo waJuda matarenta anamazana matatu esirveri namatarenta anamakumi matatu endarama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Hezekia mambo weJudha akatuma shoko kuna mambo weAsiria paRakishi achiti, “Ndakakanganisa hangu. Ibvai henyu kwandiri, uye ndicharipa zvose zvamuchareva kwandiri.” Mambo weAsiria akaripisa Hezekia mambo weJudha mutero wamazana matatu amatarendaa esirivha namatarenda egoridhe makumi matatub.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hezekiya mambo wokwaJudha akatuma nhume kuna mambo weAsiria kuRakishi achiti, “Ndakatadza. Dai mukachitisiya muende zvenyu. Chamunenge mati ndiite ndinoita.” Mambo weAsiria akapa Hezekiya mambo wokwaJudha mutoro wokubvisa mari yesirivha inorema gumi rezviuru zvamakirogiramu nendarama inorema makirogiramu chiuru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Hezekia mambo weJudha akatuma shoko kuna mambo weAsiria paRakishi, akati, “Ndatadza, dzokai henyu mubve kwandiri; zvose zvamunoreva kwandiri ndichazviripa.” Ipapo mambo weAsiria akaripisa Hezekia mambo weJudha matarenda ana mazana matatu esirivha namatarenda ana makumi matatu endarama.
Shona 2009?
Zvino Hezekia mambo weJudha akatuma shoko kuna mambo weAsiria paRakishi, akati, "Ndatadza, dzokai henyu mubve kwandiri; zvose zvamunoreva kwandiri ndichazviripa." Ipapo mambo weAsiria akaripisa Hezekia mambo weJudha matarenda ana mazana matatu esirivha namatarenda ana makumi matatu endarama.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Hezekiya mambo weJudha akatuma shoko kuna mambo weAsiria paRakishi, akati, “Ndatadza, dzokai henyu mubve kwandiri; zvose zvamunoreva kwandiri ndichazviripa.” Ipapo mambo weAsiria akaripisa Hezekiya mambo weJudha matarenda ana mazana matatu esirivha namatarenda ana makumi matatu endarama.