2 Kings 18:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo, nomukuru wamacinda, nomukuru waʋatariri ʋabve Rakishi nehondo huru ʋaende kunaHezekia paJerusarema. Iʋo ʋakaenda, ʋakaȿika Jerusarema. Ɀino ʋakati ʋaȿika, ʋakamira pamugero wedziʋa rokumsoro, riri panzira huru inoenda kumunda womusuki.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo, nomukuru wavabati uye nomukuru wavatariri, nehondo huru, kubva kuRakishi kuti vaende kuna mambo Hezekia kuJerusarema. Vakakwira kuJerusarema uye vakamira pamugero weDziva roKumusoro, mumugwagwa unoenda kuMunda woMusuki.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo weAsiria akatumira mutungamiriri mukuru wehondo yake nerimwe jinda rake guru nomutariri mukuru wezvomumuzinda make vaine hondo huru kwazvo kuna mambo Hezekiya kuJerusaremu kubva kuRakishi. Vakakwira vakasvika kuJerusaremu. Pavakasvika vakasvikomira kumugero wemvura wedziva rokumusoro pamugwagwa mukuru wokunhandare yomusuki wamachira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo, nomukuru wamachinda, nomukuru wavatariri vabve Rakishi nehondo huru vaende kuna Hezekia paJerusaremu. Ivo vakaenda, vakasvika Jerusaremu. Zvino vakati vasvika, vakamira pamugero wedziva rokumusoro, riri panzira huru inoenda kumunda womusuki.
Shona 2009?
Zvino mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo, nomukuru wamachinda, nomukuru wavatariri vabve Rakishi nehondo huru vaende kuna Hezekia paJerusaremu. Ivo vakaenda, vakasvika Jerusaremu. Zvino vakati vasvika, vakamira pamugero wedziva rokumusoro, riri panzira huru inoenda kumunda womusuki.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo, nomukuru wamachinda, nomukuru wavatariri vabve Rakishi nehondo huru vaende kuna Hezekiya paJerusaremu. Ivo vakaenda, vakasvika Jerusaremu. Zvino vakati vasvika, vakamira pamugero wedziva rokumusoro, riri panzira huru inoenda kumunda womusuki.