2 Kings 18:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mukuru waʋatariri akati kwaʋari: Ɀino imi muti kunaHezekia: Ɀanzi namambo mukuru, mambo weAsiria: Caunoʋimba naco cinyi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukuru wavatariri akati kwavari, “Udzai Hezekia kuti: “ ‘Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria: Chaunovimba nacho chii?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutariri mukuru wezvomumuzinda uya akati kwavari, “Itii kuna Hezekiya, zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, ‘Unovimba neiko?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mukuru wavatariri akati kwavari, “Zvino imi muti kuna Hezekia, ‘Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, chaunovimba nacho chinyi?’
Shona 2009?
Zvino mukuru wavatariri akati kwavari, "Zvino imwi muti kuna Hezekia, `Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, chaunovimba nacho chinyi?'
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mukuru wavatariri akati kwavari, “Zvino imi muti kuna Hezekiya, ‘Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, chaunovimba nacho chinyi?’