2 Kings 18:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarira ɀino, unoʋimba nomuɗonɀo worutsaŋga urwu rwakapxanyika, Egipita, runoti kana munhu akasendama kwaruri, rucapinda muruʋoko rwake, rukamuɓaya; ndiɀo ɀakaita Farao mambo weEgipita kunaʋose ʋanoʋimba naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tarira zvino, wakasendamira paIjipiti, uya mudonzvo werutsanga rwakatsemuka runobaya ruoko rwomunhu ruchimupa ronda kana asendamira parwuri! Ndizvo zvakaita Faro mambo weIjipiti kuna vose vanosendamira paari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino chinzwa, uri kuvimba norutsanga zvarwo rwakatyoka, Ijipiti, runobaya muchanza munhu anenge ada kuti agamwe narwo. Ndozvakaita Farao mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarira zvino, unovimba nomudonzvo worutsanga urwu rwakapwanyika, Ijipiti, runoti kana munhu akasendama kwaruri, ruchapinda muruoko rwake, rukamubaya; ndizvo zvakaita Farao mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible