2 Kings 18:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana ukati kwandiri: Tinoʋimba naJehova Mŋari weɗu, ko haazi iye wakabvisirwa matunhu akakwirira neartari dzake naHezekia, akati kunaJuda naJerusarema: Munofanira kunamata pamberi peartari iri paJerusarema, here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana ukati kwandiri, “Tinovimba naJehovha Mwari wedu,” ko, haazi iye ane matunhu akakwirira nearitari dzakabviswa naHezekia, achiti kuJudha neJerusarema, “Munofanira kunamata pamberi pearitari iyi muJerusarema here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Asi kana zvako ukati kwandiri, ‘Tinovimba naTenzi, Mwari wedu,’ haasi ndiye here ane nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira neatari dzacho dzakabviswa naHezekiya achitaurira Judha neJerusaremu kuti, ‘Munofanira kunamata muri paatari iyi muJerusaremu umu.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana ukati kwandiri, ‘Tinovimba naJehovha Mwari wedu,’ ko haazi iye wakabvisirwa matunhu akakwirira nearitari dzake naHezekia, akati kuna Judha naJerusaremu, ‘Munofanira kunamata pamberi pearitari iri paJerusaremu, here?’
Shona 2009?
Asi kana ukati kwandiri, `Tinovimba naJehovha Mwari wedu,' ko haazi iye wakabvisirwa matunhu akakwirira nearitari dzake naHezekia, akati kuna Judha naJerusaremu, `Munofanira kunamata pamberi pearitari iri paJerusaremu, here?'
Shona SUB 2002 Bible
Asi kana ukati kwandiri, ‘Tinovimba naJehovha Mwari wedu,’ ko haazi iye wakabvisirwa matunhu akakwirira neatari dzake naHezekiya, akati kuna Judha naJerusaremu, ‘Munofanira kunamata pamberi peatari iri paJerusaremu, here?’