2 Kings 18:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Musaterera Hezekia, nokuti ɀanzi namambo weAsiria: Yananai neni, muɓuɗirei kwandiri, mudye mumŋe nomumŋe muzambiriŋga wake, mumŋe nomumŋe muʋonde wake, munwe mumŋe nomumŋe mvura yetsime rake;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Musateerera Hezekia. Zvanzi namambo weAsiria: Itai rugare neni mugouya kuno kwandiri. Ipapo mumwe nomumwe wenyu achadya zvinobva pamuzambiringa wake napamuonde wake, uye achanwa mvura inobva muchirongo chake,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Musateerere Hezekia nokuti zvanzi namambo weAsiria ngatinzwananei ubude kuno kwandiri. Mukadaro mumwe nomumwe achadya muchero womugirepisi wake, munhu wose achidya michero yomuonde wake; munhu wose uchinwa mvura yomutsime rake,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Musateerera Hezekia, nokuti zvanzi namambo weAsiria, ‘Yananai neni, mubudirei kwandiri, mudye mumwe nomumwe mudzambiringa wake, mumwe nomumwe muwonde wake, mumwe nomumwe mvura yetsime rake;
Shona 2009?
Musateerera Hezekia, nokuti zvanzi namambo weAsiria, Yananai neni, mubudirei kwandiri, mudye mumwe nomumwe muzambiringa wake, mumwe nomumwe muwonde wake, mumwe nomumwe mvura yetsime rake;
Shona SUB 2002 Bible
Musateerera Hezekiya, nokuti zvanzi namambo weAsiria, ‘Yananai neni, mubudirei kwandiri, mudye mumwe nomumwe muzambiringa wake, mumwe nomumwe muwonde wake, mumwe nomumwe mvura yetsime rake;