2 Kings 18:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuȿikira ini ndaʋuya ndikutorei, ndikuisei kunyika yakafanana neyenyu, nyika ineɀiyo newaini, nyika ineciŋgwa neminda yemizambiriŋga, nyika inamafuta emiorivi noʋuci, murarame, murege kufa; regai kuterera Hezekia, kana acikugombedzerai, aciti: Jehova ucatirwira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kusvikira ndauya ndikakutorai ndigokuisai kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zvokudya newaini itsva, nyika yechingwa neminda yemizambiringa, nyika yemiti yemiorivhi nouchi. Sarudzai upenyu kwete rufu! “Musaterera Hezekia, nokuti anokutsausai kana akati, ‘Jehovha achatirwira.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kusvikira ndauya kuzokutorai ndoenda nemi kunyika yakangoita senyika yenyu iyi. “Nyika yembesanwa newaini nyika yechingwa nemigirepisi nyika yemiti yemuorivhi nouchi kuitira kuti murarame murege kufa. Musateerere Hezekiya achikufurirai achiti, ‘Tenzi achatinunura.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kusvikira ini ndauya ndikutorei, ndikuisei kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zviyo newaini, nyika ine chingwa neminda yemidzambiringa, nyika inamafuta emiorivhi nouchi, murarame, murege kufa; regai kuteerera Hezekia, kana achikugombedzerai’ achiti, ‘Jehovha uchatirwira.’
Shona 2009?
kusvikira ini ndauya ndikutorei, ndikuisei kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zviyo newaini, nyika ine chingwa neminda yemizambiringa, nyika inamafuta emiorivhi nouchi, murarame, murege kufa, regai kuteerera Hezekia, kana achikugombedzerai' achiti, Jehovha uchatirwira.'
Shona SUB 2002 Bible
kusvikira ini ndauya ndikutorei, ndikuisei kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zviyo newaini, nyika ine chingwa neminda yemizambiringa, nyika ine mafuta emiorivhi nouchi, murarame, murege kufa; regai kuteerera Hezekiya, kana achikugombedzerai’ achiti, ‘Jehovha uchatirwira.’