2 Kings 18:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa shoŋgwe, akaparadza matanda okunamata nawo; akaputsa‐putsa nyoka yendarira yakaŋga yakaitwa naMosesi; nokuti kuȿikira pamazuʋa iwayo ʋana ʋaIsraeri ʋaiipisira ɀinonhuwira; akaitumidza Nehustani.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa matombo okunamata, uye akatema matanda aAshera. Akaputsaputsa nyoka yendarira yakanga yaitwa naMozisi, nokuti kusvikira panguva iyoyo vaIsraeri vakanga vachipisira zvinonhuwira kwairi. (Yakanga ichinzi Nehushitani.)
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akabvisa nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira akapwanya zvifananidzo zvokunamata akatemera pasi zvifananidzo zvaAshera. Akadimura-dimura nyoka yendarira iya yakanga yaumbwa naMosesi nokuti pamazuva iwayo vaIsiraeri vakanga vava kuipisira rusenzi semupiro ichinzi Nehushitani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa shongwe, akaparadza matanda okunamata nawo; akaputsa-putsa nyoka yendarira yakanga yakaitwa naMosesi; nokuti kusvikira pamazuva iwayo vana veIsiraeri vaiipisira zvinonhuwira; akaitumidza Nehushitani.
Shona 2009?
Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa shongwe, akaparadza matanda okunamata nawo; akaputsaputsa nyoka yendarira yakanga yakaitwa naMozisi; nokuti kusvikira pamazuva iwayo vana vaIsiraeri vaiipisira zvinonhuhwira; akaitumidza Nehushitani.
Shona SUB 2002 Bible
Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa shongwe, akaparadza matanda okunamata nawo; akaputsa–putsa nyoka yendarira yakanga yakaitwa naMosesi; nokuti kusvikira pamazuva iwayo vana veIsiraeri vaiipisira zvinonhuwira; akaitumidza Nehushitani.