2 Kings 18:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akatenda kunaJehova Mŋari waIsraeri; naiɀoɀo hakuna‐wakaŋga akafanana naye pakati pamadzimambo ose aJuda, kunaʋakamuteʋera, kana ʋakamutaŋgira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hezekia akanga achivimba naJehovha, Mwari waIsraeri. Kwakanga kusina akafanana naye pakati pamadzimambo ose eJudha, vakamutangira kana vakamutevera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hezekiya aivimba naTenzi, Mwari weIsiraeri zvokuti hapana angamboenzaniswa naye pakati pamadzimambo ose okwaJudha vakatevera mushure make kana pane vakamutangira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akatenda kuna Jehovha Mwari weIsiraeri; naizvozvo hakuna wakanga akafanana naye pakati pamadzimambo ose aJudha, kuna vakamutevera, kana vakamutangira.
Shona 2009?
Akatenda kuna Jehovha Mwari waIsiraeri; naizvozvo hakuna wakanga akafanana naye pakati pamadzimambo ose aJudha, kuna vakamutevera kana akamutangira.
Shona SUB 2002 Bible
Akatenda kuna Jehovha Mwari weIsiraeri; naizvozvo hakuna wakanga akafanana naye pakati pamadzimambo ose aJudha, kuna vakamutevera, kana vakamutangira.