2 Kings 19:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Endai mundoʋudza Hezekia mambo waJuda, muti: Mŋari wako, waunoʋimba naye, ŋgaarege kukunyeŋgera, aciti: Jerusarema hariŋgaiswi muruʋoko rwamambo weAsiria.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Muti kuna Hezekia mambo weJudha: Musarega Mwari wamunovimba naye achikunyengedzai paanoti, ‘Jerusarema harizopiwa mumaoko amambo weAsiria.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Endai mundoti kuna Hezekiya mambo wokwaJudha zvanzi, ‘Usanyengedzwe naMwari wako waunovimba naye achiti, Jerusaremu haichaiswa mumaoko amambo weAsiriya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
‘Endai mundoudza Hezekia mambo waJudha,’ muti, ‘Mwari wako, waunovimba naye, ngaarege kukunyengera,’ achiti, ‘Jerusaremu haringaiswi muruoko rwamambo weAsiria.’
Shona 2009?
`Endai mundoudza Hezekia mambo waJudha; muti, `Mwari wako, waunovimba naye, ngaarege kukunyengera,' achiti, `Jerusaremu haringaiswi muruoko rwamambo weAsiria.'
Shona SUB 2002 Bible
‘Endai mundoudza Hezekiya mambo waJudha,’ muti, ‘Mwari wako, waunovimba naye, ngaarege kukunyengera,’ achiti, ‘Jerusaremu haringaiswi muruoko rwamambo weAsiria.’