2 Kings 19:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Hezekia akanyeŋgetera pamberi paJehova, akati: Haiwa! Jehova Mŋari waIsraeri, iye ugere pamsoro pamakerubi! Ndimi Mŋari, imi moga, woʋushe bgose bgenyika, ndimi makaita kuɗeŋga napasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Hezekia akanyengetera kuna Jehovha achiti, “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, imi mugere pakati pamakerubhi, imi moga ndimi Mwari pamusoro poushe hwose hwapasi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hezekiya akanamata kuna Tenzi achiti, “Tenzi, Mwari weIsiraeri, imi mugere pamusoro pamakerubhu. Imi moga ndimi Mwari wenyika dzose dzapasi pano pose. Ndimi makasika denga napasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Hezekia akanyengetera pamberi paJehovha, akati, “Haiwa! Jehovha weIsiraeri, iye ugere pamusoro pamakerubhi! Ndimi Mwari, imi moga, woushe hwose hwenyika, ndimi makaita kudenga napasi.
Shona 2009?
Ipapo Hezekia akanyengetera pamberi paJehovha, akati, "Haiwa! Jehovha waIsiraeri, iye ugere pamusoro pamakerubhi! Ndimi Mwari, imwi moga, woushe hwose bwenyika, ndimi makaita kudenga napasi.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Hezekiya akanyengetera pamberi paJehovha, akati, “Haiwa! Jehovha weIsiraeri, iye ugere pamusoro pamakerubhi! Ndimi Mwari, imi moga, woushe hwose hwenyika, ndimi makaita kudenga napasi.