2 Kings 19:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Isaya mŋanakomana waAmozi, wakatuma shoko kunaHezekia, akati: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ɀawanyeŋgetera kwandiri pamsoro paSanheribi mambo weAsiria, ndakunzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi akatuma shoko kuna Hezekia akati, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Ndanzwa munyengetero wako pamusoro paSenakeribhi mambo weAsiria.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Isaya mwanakomana waAmozi akatuma shoko kuna Hezekiya rokuti, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Munamato wako kwandiri nezvaSenakeribhu mambo weAsiria ndaunzwa.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi, wakatuma shoko kuna Hezekia, akati, “Zvanzi naJehovha Mwari weIsiraeri, ‘Zvawanyengetera kwandiri pamusoro paSanheribhi mambo weAsiria, ndakunzwa.’
Shona 2009?
Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi, wakatuma shoko kuna Hezekia, akati, "Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, `Zvawanyengetera kwandiri pamusoro paSaniheribhi mambo weAsiria, ndakunzwa.'
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi, wakatuma shoko kuna Hezekiya, akati, “Zvanzi naJehovha Mwari weIsiraeri, ‘Zvawanyengetera kwandiri pamusoro paSanheribhi mambo weAsiria, ndakunzwa.’