2 Kings 19:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hauna‐kunzwa here kuti ndakaɀiita kare, kuti ndakaɀiraira neŋguʋa dzokutaŋga‐taŋga? Ɀino ndaraira ɀiitike, kuti iwe uʋe muparadzi wamaguta akakombga namaȿiŋgo, aʋe matoŋgo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Hauna kunzwa here? Ndakazviita kare kare. Mumazuva akare ndakazvironga; zvino ndaita kuti zviitike, kuti wakashandura maguta akakomberedzwa akava murwi wamatombo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvaive mumwoyo mangu kwenguva ndefu hazvisati zvakusvika munzeve nhai, zvandakaronga kare kare pasichigare zvandava kutozoita zvangu iye nhasi zvokuti maguta ane tsvingo uaite mirwi yamatongo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hauna kunzwa here kuti ndakazviita kare, kuti ndakazviraira nenguva dzokutanga-tanga? Zvino ndaraira zviitike, kuti iwe uve muparadzi wamaguta akakombwa namasvingo, ave matongo.’
Shona 2009?
Hauna kunzwa here kuti ndakazviita kare, kuti ndakazviraira nenguva dzokutangatanga? Zvino ndaraira zviitike, kuti iwe uve muparadzi wamaguta akakombwa namasvingo, ave matongo.'
Shona SUB 2002 Bible
Hauna kunzwa here kuti ndakazviita kare, kuti ndakazviraira nenguva dzokutanga–tanga? Zvino ndaraira zviitike, kuti iwe uve muparadzi wamaguta akakombwa namasvingo, ave matongo.’