2 Kings 19:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋagere’mo ʋakaŋga ʋanesimba ɗuku, ʋakavunduswa nokunyadzwa; ʋakafanana noʋuswa bgesaŋgo, nomuriʋo mutema, noʋuswa bguri pamsoro peimba, neɀiyo ɀakatȿa ɀicigere kukura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vawo, vakapedzwa simba, vakavhundutswa uye vakanyadziswa. Vakafanana nembesa dziri muminda, samabukirwa omuriwo mutete akasvibira, souswa huri pamusoro pemba, hwakatsva husati hwakura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vagari vemo vachiti rukutu kupera simba, vakangaidzwa vazvishaira pazvo vaita sezvinhu zvinomera musango soruswiswi, souswa hunomera padenga remba hunoshwauruka kuoma husati hwambokura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo vageremo vakanga vane simba duku, vakavhunduswa nokunyadzwa; vakafanana nouswa hwesango, nomuriwo mutema, nouswa huri pamusoro peimba, nezviyo zvakatsva zvichigere kukura.
Shona 2009?
"Naizvozvo vageremo vakanga vane simba duku, vakavhunduswa nokunyadzwa; vakafanana nouswa bwesango, nomuriwo mutema, nouswa huri pamusoro peimba, nezviyo zvakatsva zvichigere kukura.
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo vageremo vakanga vane simba duku, vakavhunduswa nokunyadzwa; vakafanana nouswa hwesango, nomuriwo mutema, nouswa huri pamusoro peimba, nezviyo zvakatsva zvichigere kukura.