2 Kings 19:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino noʋusiku ubgo mutumŋa waJehova wakaɓuɗa, akaʋuraya ʋanhu ʋaneɀuru ɀinezana namakumi masere neɀishanu pamisasa yaʋaAsiria; ɀino ʋanhu ʋakati ʋacimuka maŋgwanani, ʋakawana ɀaʋa ɀitunha ɀose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Usiku ihwohwo mutumwa waJehovha akaenda akauraya varume zviuru zana namakumi masere nezvishanu mumusasa wavaAsiria. Vanhu pavakati vachimuka mangwana acho, wanei heyo mitumbi yavakafa!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Usiku ihwohwo mutumwa waTenzi akaenda akauraya vanhu zana rezviuru rine zviuru makumi masere nezvishanu. Pakafumomuka vanhu mangwanani, onei ivava vose zvangova zvitunha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nousiku uhwo mutumwa waJehovha wakabuda, akauraya vanhu vane zviuru zvine zana namakumi masere nezvishanu pamisasa yavaAsiria; zvino vanhu vakati vachimuka mangwanani, vakawana zvava zvitunha zvose.
Shona 2009?
Zvino nousiku uhwo mutumwa waJehovha wakabuda, akauraya vanhu vane zviuru zvine zana namakumi masere nezvishanu pamisasa yavaAsiria; zvino vanhu vakati vachimuka mangwanani, vakawana zvava zvitunha zvose.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nousiku uhwo mutumwa waJehovha akabuda, akauraya vanhu vane zviuru zvine zana namakumi masere nezvishanu pamisasa yavaAsiria; zvino vanhu vakati vachimuka mangwanani, vakawana zvava zvitunha zvose.