2 Kings 19:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀimŋe Jehova Mŋari wenyu ucanzwa mashoko ose omukuru waʋatariri, wakatumŋa namambo weAsiria tenzi wake, kuɀidza Mŋari mupenyu, agoʋatuka pamsoro pamashoko akanzwa Jehova Mŋari wenyu; naiɀoɀo nyeŋgetererai ʋakasara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvimwe Jehovha Mwari wenyu achanzwa mashoko ose omukuru wavatariri, akatumwa natenzi wake, mambo weAsiria, kuzozvidza Mwari mupenyu, uye kuti azomutuka nokuda kwamashoko akanzwikwa naJehovha Mwari wenyu. Naizvozvo unyengeterere vakasara avo vachiri vapenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvingangoitika kuti Tenzi, Mwari wenyu anzwa zvataurwa nomutariri mukuru wezvomumuzinda uya atumwa natenzi wake mambo weAsiria kuzonyomba Mwari mupenyu; iye Tenzi, Mwari wenyu angadaro akatsiudza zvaanzwa izvi. Naizvozvo dai mukanamatirawo chitsama chavanhu ichi chasara.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvimwe Jehovha Mwari wenyu uchanzwa mashoko ose omukuru wavatariri, wakatumwa namambo weAsiria tenzi wake, kuzvidza Mwari mupenyu, agovatuka pamusoro pamashoko akanzwa Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo nyengetererai vakasara.’ ”
Shona 2009?
Zvimwe Jehovha Mwari wenyu uchanzwa mashoko ose omukuru wavatariri, wakatumwa namambo weAsiria tenzi wake, kuzvidza Mwari mupenyu, agovatuka pamusoro pamashoko akanzwa Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo nyengetererai vakasara.' "
Shona SUB 2002 Bible
Zvimwe Jehovha Mwari wenyu uchanzwa mashoko ose omukuru wavatariri, wakatumwa namambo weAsiria tenzi wake, kuzvidza Mwari mupenyu, agovatuka pamusoro pamashoko akanzwa Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo nyengetererai vakasara.’ ”