2 Kings 19:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Isaya akati kwaʋari: Ʋudzai tenzi wenyu, muti: Ɀanzi naJehova: Usatya hako mashoko awakanzwa, andakamhurwa nawo naʋaranda ʋamambo weAsiria.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Isaya akati kwavari, “Udzai tenzi wenyu kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Usatya mashoko awakanzwa, mashoko andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Isaya akavati, “Endai mundotaurira tenzi wenyu kuti, zvanzi naTenzi, ‘Usatye zvako pamusana pomuromo wataurwa namakurukota amambo weAsiria wokundinyomba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Isaya akati kwavari, “Udzai tenzi wenyu, muti, ‘Zvanzi naJehovha, usatya hako mashoko awakanzwa, andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria.
Shona 2009?
Isaya akati kwa vari, "Udzai tenzi wenyu, muti, `Zvanzi naJehovha, usatya hako mashoko awakanzwa, andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria.
Shona SUB 2002 Bible
Isaya akati kwavari, “Udzai tenzi wenyu, muti, ‘Zvanzi naJehovha, usatya hako mashoko awakanzwa, andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria.