2 Kings 2:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋacifamba, ʋaciŋgotaurirana haʋo, ŋgoro yomŋoto namabiza omŋoto ɀikaȿika, ɀikaʋaparadzanisa iʋo ʋaʋiri; Eria akakwira kuɗeŋga necinyampupuri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino pavakanga vachifamba, vachitaurirana, pakarepo ngoro yomoto namabhiza omoto zvakaonekwa zvikaparadzanisa vaviri ava, Eria akaenda kudenga muchinyamupupuri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakanga vachifamba vachitaura kudaro, ngoro yehondo yomoto namabhiza omoto ndiye vhu vakabva vaparadzaniswa vose vari vaviri. Eriya ndokubva atututswa nechinyamupupuri kuenda kudenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vachifamba, vachingotaurirana havo, ngoro yomoto namabhiza omoto zvikasvika, zvikavaparadzanisa ivo vaviri; Eria akakwira kudenga nechinyamupupuri.
Shona 2009?
Zvino vakati vachifamba, vachingotaurirana havo, ngoro yomoto namabhiza omoto zvikasvika, zvikavaparadzanisa ivo vaviri; Eria akakwira kudenga nechinyamupupuri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vachifamba, vachingotaurirana havo, ngoro yomoto namabhiza omoto zvikasvika, zvikavaparadzanisa ivo vaviri; Eriya akakwira kudenga nechinyamupupuri.