2 Kings 2:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Erisha akaɀiʋona, akaɗanidzira, aciti: Ƃaɓa ʋaŋgu, ɓaɓa ʋaŋgu, ŋgoro yaIsraeri naʋataȿi ʋayo ʋamabiza! Akasazomuʋona ɀe; akaɓata ŋguʋo dzake akadzibvarura napakati.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Erisha akazviona akadanidzira nenzwi guru akati, “Baba vangu! Baba vangu! Ngoro navarume vamabhiza veIsraeri!” Zvino Erisha haana kuzomuonazve. Ipapo akabata nguo dzake akadzibvarura napakati.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Erisha akazviona ndokudaidzira achiti, “Baba wangu, baba wangu! Ngoro dzemabhiza dzehondo dzeIsiraeri navachairi vadzo!” Erisha haana kuzomuonazve. Erisha akabata hanzu dzake pachake ndokubva adzibvarura napakati.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Erisha akazviona, akadanidzira, achiti, “Baba vangu, baba vangu, ngoro yeIsiraeri navatasvi vayo vamabhiza!” Akasazomuonazve; akabata nguo dzake akadzibvarura napakati.
Shona 2009?
Erisha akazviona, akadanidzira, achiti, "Baba vangu, baba vangu, ngoro yaIsiraeri navatasvi vayo vamabhiza " Akasazomuonazve; akabata nguvo dzake akadzibvarura napakati.
Shona SUB 2002 Bible
Erisha akazviona, akadanidzira, achiti, “Baba vangu, baba vangu, ngoro yeIsiraeri navatasvi vayo vamabhiza!” Akasazomuonazve; akabata nguo dzake akadzibvarura napakati.