2 Kings 2:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati kwaari: Tarirai, isu ʋaranda ʋenyu, tinaʋarume ʋanamakumi mashanu ʋanesimba; iʋo ŋgaʋaende haʋo kundotȿaka tenzi wenyu, ɀimŋe Mŋeya waJehova wamukwidza, ukamukandira panerimŋe gomo, kana munomumŋe mupata. Iye akati: Regai henyu kuʋatuma.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati, “Tarirai, isu varanda venyu tine varume vesimba makumi mashanu. Ngavaende vandotsvaka tenzi wenyu. Zvimwe Mweya waJehovha wamusimudza ukandomugarisa pamusoro perimwe gomo kana mune mumwe mupata.” Erisha akavapindura akati, “Kwete, musavatuma.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakati kwaari, “Onaika, isu varanda venyu tine makumi mashanu avanahu, dai mukarega zvenyu vaende kundotsvaga tenzi wenyu, dzimwe nguva Mweya waTenzi wamusimudza ukasiya wamukanda pamusoro pegomo kana mumupata.” Akati, “Regai zvenyu kuvatuma.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati kwaari, “Tarirai, isu varanda venyu, tina varume vana makumi mashanu vane simba; ivo ngavaende havo kundotsvaka tenzi wenyu, zvimwe Mweya waJehovha wamukwidza, ukamukandira pane rimwe gomo, kana muno mumwe mupata.” Iye akati, “Regai henyu kuvatuma.”
Shona 2009?
Vakati kwaari, "Tarirai, isu varanda venyu, tina varume vana makumi mashanu vane simba; ivo ngavaende havo kundotsvaka tenzi wenyu, zvimwe Mweya waJehovha wamukwidza, ukamukandira pane rimwe gomo, kana muno mumwe mupata." Iye akati, "Regai henyu kuvatuma."
Shona SUB 2002 Bible
Vakati kwaari, “Tarirai, isu varanda venyu, tina varume vana makumi mashanu vane simba; ivo ngavaende havo kundotsvaka tenzi wenyu, zvimwe Mweya waJehovha wamukwidza, ukamukandira pane rimwe gomo, kana muno mumwe mupata.” Iye akati, “Regai henyu kuvatuma.”