2 Kings 2:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarume ʋeguta ʋakati kunaErisha: Tarirai henyu, nɀimbo yeguta yakanaka hayo, seɀamunoʋona, ishe weɗu, asi mvura yakaipa, nenyika haiɓereki ɀakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume vomuguta vakati kuna Erisha, “Tarirai, tenzi wedu, guta iri riri pakanaka, asi sezvamunoona henyu, mvura yacho yakaipa uye nyika yacho haina zvibereko.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu veguta iroro vakati kuna Erisha, “Changamire, sezvamunongoonawo, guta redu iri rakavakirwa pakanaka kwazvo asi chakaipa imvura yacho, uye ivhu racho harina charinopa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varume veguta vakati kuna Erisha, “Tarirai, henyu, nzvimbo yeguta yakanaka hayo, sezvamunoona, ishe wedu, asi mvura yakaipa, nenyika haibereki zvakanaka.”
Shona 2009?
Zvino varume veguta vakati kuna Erisha, "Tarirai, henyu, nzvimbo yeguta yakanaka hayo, sezvamunoona, ishe wedu, asi mvura yakaipa, nenyika haibereki zvakanaka."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varume veguta vakati kuna Erisha, “Tarirai, henyu, nzvimbo yeguta yakanaka hayo, sezvamunoona, ishe wedu, asi mvura yakaipa, nenyika haibereki zvakanaka.”