2 Kings 2:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaenda kucituɓu cemvura, akaɗira munyu imomo, akati: Ɀanzi naJehova: Ndarapa mvura iyi, hapacazobvi’po rufu, kana kusaɓereka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akaenda kuchitubu akakanda munyu imomo achiti, “Zvanzi naJehovha, ‘Ndanatsa mvura iyi. Haichazokonzeri rufuzve kana kushayisa nyika zvibereko.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaenda kuchisipiti chemvura yacho ndokudira munyu mairi achiti, “Zvanzi naTenzi ndarapa mvura iyi. Kubvira zvino, hapana rufu kana kushaika kwezvinoberekwa kuchazobva mairi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaenda kuchitubu chemvura, akadira munyu imomo, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Ndarapa mvura iyi, hapachazobvipo rufu, kana kusabereka.’ ”
Shona 2009?
Akaenda kuchitubu chemvura, akadira munyu imomo, akati, "Zvanzi naJehovha, `Ndarapa mvura iyi, hapachazobvipo rufu, kana kusabereka.' "
Shona SUB 2002 Bible
Akaenda kuchitubu chemvura, akadira munyu imomo, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Ndarapa mvura iyi, hapachazobvipo rufu, kana kusabereka.’ ”