2 Kings 2:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akaceuka, akaʋaʋona, akaʋatuka nezita raJehova. Ipapo maperekadzi maʋiri akaɓuɗa muɗondo, akaparadza ʋana ʋanamakumi manna naʋaʋiri ʋaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akacheuka, akavatarisa uye akadana chituko pamusoro pavo muzita raJehovha. Ipapo maperekadzi akabuda musango akaparadza vechidiki vana makumi mana navaviri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akatendeuka, paakavaona akarengerera rushambwa nezita raTenzi. Mapere maviri makadzi akabuda musango akabvambura-bvambura makumi mana navaviri avakomana ivavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akacheuka, akavaona, akavatuka nezita raJehovha. Ipapo maperekadzi maviri akabuda mudondo, akaparadza vana vana makumi mana navaviri vavo.
Shona 2009?
Iye akacheuka, akavaona, akavatuka nezita raJehovha. Ipapo maperekadzi maviri akabuda mudondo, akaparadza vana vana makumi mana navaviri vavo.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akacheuka, akavaona, akavatuka nezita raJehovha. Ipapo mabheya maviri akabuda mudondo, akaparadza vana vana makumi mana navaviri vavo.