2 Kings 2:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanakomana ʋaʋaprofita ʋaiʋa paBeti‐eri, ʋakaȿika kunaErisha, ʋakati kwaari: Munoziʋa here kuti Jehova ucakubvisirai tenzi wenyu nhasi? Iye akati: Hoŋo, ndinoziʋa; nyararai henyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Boka ravaprofita vapaBheteri rakauya kuna Erisha vakamubvunza vakati, “Unoziva here kuti Jehovha ari kuzokutorera tenzi wako nhasi?” Erisha akavapindura akati, “Hongu, ndinozviziva, regai henyu kuzvitaura.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokudaro vakadzika kuBhetieri. Vaporofita vaiva kuBhetieri vakauya kuna Erisha vakati kwaari, “Muri kuzviziva here kuti Tenzi achakutorerai tenzi wenyu nhasi uno?” Iye akati, “E-e ndiri kuzviziva zvangu. Dai mukanyarara zvenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanakomana vavaporofita vaiva paBhetieri, vakasvika kuna Erisha, vakati kwaari, “Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi?” Iye akati, “Hongu, ndinoziva; nyararai henyu.”
Shona 2009?
Zvino vanakomana vavaporofita vaiva paBhetieri, vakasvika kuna Erisha, vakati kwaari, "Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi?" Iye akati, "Hongu, ndinoziva; nyararai henyu."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vanakomana vavaporofita vaiva paBhetieri, vakasvika kuna Erisha, vakati kwaari, “Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi?” Iye akati, “Hongu, ndinoziva; nyararai henyu.”