2 Kings 2:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Eria akati kwaari: Erisha, iwe cigara pano, nokuti Jehova wakandituma Jeriko. Iye akati: NaJehova mupenyu, ʋuye nomŋeya wenyu mupenyu, handiŋgakusiyiyi. Naiɀoɀo ʋakaȿika Jeriko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Eria akatizve kwaari, “Gara pano, Erisha; nokuti Jehovha andituma kuJeriko.” Iye akapindura akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uye noupenyu hwenyu, handingakusiyei.” Naizvozvo vakaenda kuJeriko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Eriya akamutizve, “Wombosara zvako pano nokuti Tenzi andituma kuJeriko.” Asi iye akati, “NaTenzi chaiye mupenyu kana ndimiwo zvenyu muripo kudai, kukusiyai hazvimboitiki.” Vakabva vaenda kuJeriko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Eria akati kwaari, “Erisha, iwe chigara pano, nokuti Jehovha wakandituma Jeriko.” Iye akati, “NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyiyi.” Naizvozvo vakasvika Jeriko.
Shona 2009?
Eria akati kwaari, "Erisha, iwe chigara pano, nokuti Jehovha wakandituma Jeriko." lye akati, "NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyiyi." Naizvozvo vakasvika Jeriko.
Shona SUB 2002 Bible
Eriya akati kwaari, “Erisha, iwe chigara pano, nokuti Jehovha akandituma Jeriko.” Iye akati, “NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyiyi.” Naizvozvo vakasvika Jeriko.