2 Kings 2:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanakomana ʋaʋaprofita, ʋaiʋa paJeriko, ʋakasweɗera kunaErisha, ʋakati kwaari: Munoziʋa here kuti Jehova ucakubvisirai tenzi wenyu nhasi? Iye akapindura, akati: Hoŋo, ndinoziʋa; nyararai henyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Boka ravaprofita vapaJeriko rakakwira kuna Erisha vakamubvunza vakati, “Unoziva here kuti Jehovha ari kuzokutorera tenzi wako nhasi?” Iye akavapindura akati, “Hongu, ndinozviziva, regai henyu kuzvitaura.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vaporofita vaiva muJeriko vakauya kuna Erisha vakati kwaari, “Muri kuzviziva here kuti Tenzi achakutorerai tenzi wenyu nhasi?” Iye akati, “E-e ndiri kuzviziva zvangu. Dai mukanyarara zvenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanakomana vavaporofita, vaiva paJeriko, vakaswedera kuna Erisha, vakati kwaari, “Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi?” Iye akapindura, akati, “Hongu, ndinoziva; nyararai henyu.”
Shona 2009?
Zvino vanakomana vavaporofita, vaiva paJeriko, vakaswedera kuna Erisha, vakati kwaari, "Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi?" Iye akapindura, akati, "Hongu, ndinoziva, nyararai henyu."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vanakomana vavaporofita, vaiva paJeriko, vakaswedera kuna Erisha, vakati kwaari, “Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi?” Iye akapindura, akati, “Hongu, ndinoziva; nyararai henyu.”