2 Kings 2:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Eria akati kwaari: Iwe cigara pano, nokuti Jehova wakandituma kwaJoridani. Iye akati: NaJehova mupenyu, ʋuye nomŋeya wenyu mupenyu, handiŋgakusiyiyi. Iʋo ʋari ʋaʋiri ʋakapfuʋura haʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Eria akatizve kwaari, “Gara pano; nokuti Jehovha andituma kuJorodhani.” Iye akapindura akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu uye noupenyu hwenyu, handikusiyei. Saka vakafamba vose vari vaviri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Eriya akabva amuti, “Wombosara zvako pano nokuti Tenzi andituma kuna Jorodhani.” Asi iye akati, “NaTenzi chaiye mupenyu kana ndimiwo zvenyu muripo kudai, kukusiyai hazvimboitiki.” Nokudaro vakaenda vari vose pauviri hwavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Eria akati kwaari, “Iwe chigara pano, nokuti Jehovha wakandituma kwaJorodhani.” Iye akati, “NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyiyi.” Ivo vari vaviri vakapfuura havo.
Shona 2009?
Eria akati kwaari, "Iwe chigara pano, nokuti Jehovha wakandituma kwaJorodhani." Iye akati, "NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyiyi." Ivo vari vaviri vakapfuura havo.
Shona SUB 2002 Bible
Eriya akati kwaari, “Iwe chigara pano, nokuti Jehovha akandituma kwaJodhani.” Iye akati, “NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyiyi.” Ivo vari vaviri vakapfuura havo.