2 Kings 2:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Eria akatora ŋguʋo yake, akaipeta, akaroʋa mvura, ikaparadzaniswa napakati, naiɀoɀo iʋo ʋaʋiri ʋakayambuka pakawoma.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Eria akatora jasi rake akaripeta akarova mvura naro, mvura ikaparadzana, imwe kurudyi, imwe kuruboshwe, ivo vaviri vakayambuka napakaoma.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Eriya akatora hanzu yake ndokuimona ndokurova pamvura nayo. Mvura yakabva yakamukana zvokuti imwe uku imwe uku, vose vari vaviri vakayambuka vachitsika pasi pakaoma.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Eria akatora nguo yake, akaipeta, akarova mvura, ikaparadzaniswa napakati, naizvozvo ivo vaviri vakayambuka pakawoma.
Shona 2009?
Ipapo Eria akatora nguvo yake, akaipeta, akarova mvura, ikaparadzaniswa napakati, naizvozvo ivo vaviri vakayambuka pakawoma.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Eriya akatora nguo yake, akaipeta, akarova mvura, ikaparadzaniswa napakati, naizvozvo ivo vaviri vakayambuka pakawoma.