2 Kings 20:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino neŋguʋa iyo Berodaki‐baradani mŋanakomana waBaradani, mambo weBabironi, akatuma ŋwadi necipo kunaHezekia; nokuti wakaŋga anzwa kuti Hezekia wairwara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva iyo yaMerodhaki-Bharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi akatumira tsamba nechipo kuna Hezekia, nokuti akanga anzwa nezvokurwara kwaHezekia.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panguva iyoyo Merodhakibharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi, akatumira nhume netsamba nechipo kuna Hezekiya nokuti akanga anzwa kuti Hezekiya akanga amborwara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nenguva iyo Bherodhakibharadhani mwanakomana waBharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma nwadhi nechipo kuna Hezekia; nokuti wakanga anzwa kuti Hezekia wairwara.
Shona 2009?
Zvino nenguva iyo Bherodhaki- bharadhani mwanakomana waBharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma mwadhi nechipo kuna Hezekia; nokuti wakanga anzwa kuti Hezekia wairwara.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nenguva iyo Bherodhakibharadhani mwanakomana waBharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma tsamba nechipo kuna Hezekiya; nokuti wakanga anzwa kuti Hezekiya wairwara.