2 Kings 20:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hezekia akaʋanzwa, akaʋaratidza imba yose yakaŋga ineɀinokosha ɀake, sirveri, nendarama, neɀinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiʋa nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, neɀose ɀakaŋga ɀiri pafuma yake; kwakaŋga kusisinecinhu mumba make, kana muʋushe bgake bgose, caʋasina‐kuratidzwa naHezekia.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hezekia akagamuchira nhume akadziratidza zvose zvakanga zviri mumatura rake, sirivha negoridhe, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, nedura rezvombo nezvose zvaiwanikwa pakati pepfuma yake. Hezekia haana chaasina kuvaratidza mumuzinda make kana muushe hwake hwose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hezekiya akavagamuchira akavaratidza dzimba dzake dzose dzokuchengetera upfumi hwomumuzinda hunoti sirivha nendarama netwokubikisa tunonhuwirira namafuta anokosha nezvombo zvake zvehondo nezvose zvaiva mudzimba dzake dzokuchengetera zvinhu. Chinhu chaiva mumuzinda make kana zvose zvoumambo hwake, Hezekiya hapana chaakasiya kuvaratidza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hezekia akavanzwa, akavaratidza imba yose yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri papfuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekia.
Shona 2009?
Hezekia akavanzwa, akavaratidza imba yose yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuhwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri pafuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekia.
Shona SUB 2002 Bible
Hezekiya akavanzwa, akavaratidza imba yose yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri papfuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekiya.