2 Kings 20:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino muprofita Isaya akaȿika kunamambo Hezekia, akati kwaari: Ko ʋarume aʋa ʋakati kuɗini? Ʋaȿika kwauri ʋacibvepiko? Hezekia akati: Ʋakabva kunyika iri kure, Babironi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo muprofita Isaya akaenda kuna Mambo Hezekia akamubvunza akati, “Zvanzi kudini navarume avo, uye vabvepi?” Hezekia akapindura akati, “Vabva kunyika iri kure. Vabva kuBhabhironi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muporofita Isaya akaenda kuna Hezekiya akati kwaari, “Ko shoko rauya navarume ava ndereyi? Vakakubvirai nepi?” Hezekiya akati, “Vabva kunyika iri kure kwazvo kuBhabhironi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekia, akati kwaari, “Ko varume ava vakati kudini? Vasvika kwauri vachibvepiko?” Hezekia akati, “Vabva kunyika iri kure, Bhabhironi.”
Shona 2009?
Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekia, akati kwaari, "Ko varume ava vakati kudini? Vasvika kwauri vachibvepiko?" Hezekia akati, "Vabva kunyika iri kure, Bhabhironi."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekiya, akati kwaari, “Ko varume ava vakati kudini? Vasvika kwauri vachibvepiko?” Hezekiya akati, “Vabva kunyika iri kure, Bhabhironi.”