2 Kings 20:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Hezekia akati kunaIsaya: Shoko raJehova, ramataura, rakanaka haro. Akati ʋo: Ko handiɀo here, kana rugare neɀokwaɗi ɀiri’po haɀo pamazuʋa aŋgu?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hezekia akapindura akati, “Shoko raJehovha rawataura rakanaka.” Nokuti akafungawo akati, “Hakuchavi here norugare nokudzivirirwa munguva youpenyu hwangu?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hezekiya akati kuna Isaya, “Shoko raTenzi ramataura ishoko rakanaka, nokuti aiti hazvinei zvazvo chero kune rugare nokugadzikana kwezvinhu mumazuva angu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Hezekia akati kuna Isaya, “Shoko raJehovha, ramataura, rakanaka haro.” Akatiwo, “Ko handizvo here, kana rugare nezvokwadi zviripo hazvo pamazuva angu?”
Shona 2009?
Ipapo Hezekia akati kuna Isaya, "Shoko raJehovha, ramataura, rakanaka haro." Akatiwo, "Ko handizvo here, kana rugare nechokwadi zviripo hazvo pamazuva angu?"
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Hezekiya akati kuna Isaya, “Shoko raJehovha, ramataura, rakanaka haro.” Akatiwo, “Ko handizvo here, kana rugare nezvokwadi zviripo hazvo pamazuva angu?”