2 Kings 20:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Dzoka ɀe, undoti kunaHezekia, mutuŋgamiriri waʋanhu ʋaŋgu: Ɀanzi naJehova Mŋari waDavidi ɓaɓa ʋako: Ndanzwa kunyeŋgetera kwako, ndaʋona misodzi yako; ɀino tarira, ndicakuporesa; nezuʋa recitatu ucakwira kuimba yaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Dzokera undoudza Hezekia, mutungamiri wavanhu vangu kuti, “Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi, ‘Ndanzwa munyengetero wako uye ndaona misodzi yako; ndichakuporesa. Nezuva retatu kubva zvino uchakwira kutemberi yaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Dzokera kuna Hezekiya ishe wavanhu vangu uti zvanzi naTenzi, Mwari watateguru wako Dhavhidhi, ndanzwa munamato wako ndikaona misodzi yako. Chiteerera unzwe, ndichakuporesa. Pazuva retatu uchakwira kumba yaTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Dzokazve, undoti kuna Hezekia, mutungamiriri wavanhu vangu, ‘Zvanzi naJehovha Mwari waDhavhidhi baba vako, ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; zvino tarira, ndichakuporesa; nezuva rechitatu uchakwira kuimba yaJehovha.’
Shona 2009?
"Dzokazve, undoti kuna Hezekia, mutungamiriri wavanhu vangu, `Zvanzi naJehovha Mwari waDhavhidhi baba vako, ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; zvino tarira, ndichakuporesa; nezuva rechitatu uchakwira kuimba yaJehovha.'
Shona SUB 2002 Bible
“Dzokazve, undoti kuna Hezekiya, mutungamiriri wavanhu vangu, ‘Zvanzi naJehovha Mwari waDhavhidhi baba vako, ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; zvino tarira, ndichakuporesa; nezuva rechitatu uchakwira kuimba yaJehovha.’