2 Kings 20:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Isaya akati: Ici cicaʋa ciratidzo caJehova kwauri, kuti Jehova ucaita seɀaakataura: Unoɗa kuti mumvuri upfuʋurire mberi mitaro inegumi, kana udzoke mitaro inegumi here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Isaya akapindura akati, “Ichi ndicho chiratidzo chaJehovha kwauri kuti Jehovha achaita zvaavimbisa: Ko, ungada kuti mumvuri uende nhambwe gumi mberi here kana kudzoka mushure nhambwe gumi?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Isaya ndokuti, “Chiratidzo chamunoitirwa naTenzi chamuchaziva nacho kuti Tenzi achaita zvaakuvimbisai ndechichi. Mumvuri woenda mberi here nhanho gumi kana kuti wodzokera shure nhano gumi?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Isaya akati, “Ichi chichava chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha uchaita sezvaakataura. Unoda kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro inegumi, kana udzoke mitaro inegumi here?”
Shona 2009?
Isaya akati, "Ichi chichava chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha uchaita sezvaakataura. Unoda kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro inegumi, kana udzoke mitaro inegumi here?"
Shona SUB 2002 Bible
Isaya akati, “Ichi chichava chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha uchaita sezvaakataura. Unoda kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro ine gumi, kana udzoke mitaro ine gumi here?”