2 Kings 21:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicayera Jerusarema norwonzi rwandakayera Samaria narwo, ʋuye norwonzi rwandakaruramisa imba yaAhabi narwo; ndicapisika Jerusarema somunhu unopisika ndiro, unoipisika akaitsindikira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichatambanudzira kuJerusarema tambo yokuyeresa yandakayera nayo Samaria nerwodzi rwandakashandisa kuyera narwo imba yaAhabhu. Ndichapukuta Jerusarema somunhu anonopukuta ndiro, anoipukuta uye anogoitsindikira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Urefu hwemwero hwandakaranga nahwo Samaria noudzamu hwandakaranga nahwo imba yaAhabhu ndiwo mwero wandicharanga nawo Jerusaremu. Sokukokota kunoita munhu ndiro, kuikokota zvokuti anogona kuitaridza pasi, ndiko kukokotedza kwandichaita Jerusaremu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichayera Jerusaremu norwozi rwandakayera Samaria narwo, uye norwozi rwandakaruramisa imba yaAhabhi narwo; ndichapisika Jerusaremu somunhu unopisika ndiro, unoipisika akaitsindikira.
Shona 2009?
Ndichayera Jerusaremu norwozi rwandakayera Samaria narwo, uye norwozi rwandakaruramisa imba yaAhabhi narwo; ndichapisika Jerusaremu somunhu unopisika ndiro, unoipisika akaitsindikira.
Shona SUB 2002 Bible
Ndichayera Jerusaremu netambo yandakayera Samaria narwo, uye netambo yandakaruramisa imba yaAhabhi nayo; ndichapisika Jerusaremu somunhu unopisika ndiro, unopukuta akaitsindikira.