2 Kings 21:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Manase akateʋura ʋo ropa rakawanda risinemhoȿa, kuȿikira azadza Jerusarema kubva kurutiʋi rumŋe kuȿikira kunorumŋe rutiʋi; ɀiʋi ɀake ɀaakatadzisa Juda naɀo, aciita ɀakaipa pamberi paJehova, ɀisiŋgaʋereŋgwi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamusoro pezvo, Manase akateura ropa risina mhosva rakawanda zvokuti akazadza Jerusarema kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe, zvisiri izvozvo chete, asi nezvivi zvaakaita kuti Judha iite, zvokuti vakaita zvakaipa pamberi paJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uyewo Manase uyu akadeura ropa rakanyanya kwazvo ravanhu vasina nemhosva yese zvokuti akazadza Jerusaremu naro kunze nokunze kuwedzera pachitadzo chaakapinza nacho vokwaJudha mukutadza vakaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Manase akateurawo ropa rakawanda risine mhosva, kusvikira azadza Jerusaremu kubva kurutivi rumwe kusvikira kuno rumwe rutivi; zvivi zvake zvaakatadzisa Judha nazvo, achiita zvakaipa pamberi paJehovha, zvisingaverengwi.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible