2 Kings 21:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti wakaʋaka ɀe matunhu akakwirira, akaŋga aparadzwa naɓaɓa ʋake Hezekia; akamutsira Baari artari, akaisa’po ɗanda rokunamata naro, seɀakaita Ahabi mambo waIsraeri; akanamata hondo dzose dzokuɗeŋga, akadzishumira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akavakazve matunhu akakwirira akanga aparadzwa nababa vake Hezekia; uye akavaka aritari dzaBhaari akaita danda raAshera, sezvakanga zvaitwa naAhabhu mambo weIsraeri. Akapfugamira nyeredzi dzose dzedenga akadzinamata.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti akavakazve nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziya dzakanga dzamboparadzwa nababa wake Hezekiya. Iye akavakirawo Bhaari atari akagadzirawo chimufananidzo chokunamata chiAshera sezvakaitwawo naAhabhu mambo wokwaIsiraeri. Akapfugamirawo gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga achizvinamata.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti wakavakazve matunhu akakwirira, akanga aparadzwa nababa vake Hezekia; akamutsira Bhaari aritari, akaisapo danda rokunamata naro, sezvakaita Ahabhi mambo waIsiraeri; akanamata hondo dzose dzokudenga, akadzishumira.
Shona 2009?
Nokuti wakavakazve matunhu akakwirira, akanga aparadzwa nababa vake Hezekia; akamutsira Bhaari aritari, akaisapo danda rokunamata naro, sezvakaita Ahabhi mambo waIsiraeri; akanamata hondo dzose dzokudenga, akadzishumira.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti wakavakazve matunhu akakwirira, akanga aparadzwa nababa vake Hezekiya; akamutsira Bhaari atari, akaisapo danda rokunamata naro, sezvakaita Ahabhi mambo waIsiraeri; akanamata hondo dzose dzokudenga, akadzishumira.