2 Kings 21:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akapinza mŋanakomana wake mumŋoto, akatenda mashura, akaita mazaŋgo, akagadza maȿikiro naʋaʋuki; akaita ɀakaipa ɀizhinji pamberi paJehova, ndokumutsamŋisa naɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akabayira mwanakomana wake mumoto, akaita uroyi nokuvuka, akabvunza masvikiro navavuki. Akaita zvakaipa zvakawanda pamberi paJehovha, akamutsa hasha dzake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akapisa mwana wake mukomana sechibayiro. Manase akanga apindawo mune zvokufembera namaminimini nezvoun'anga hwokududzira mashura obvunzirawo kumasvikiro nokun'anga. Akaita zvakaipa zvakanyanya kwazvo zvisingadiwi naTenzi akamuvirutsa nehasha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akapinza mwanakomana wake mumoto, akatenda mashura, akaita mazango, akagadza masvikiro navauki; akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, ndokumutsamwisa nazvo.
Shona 2009?
Akapinza mwanakomana wake mumoto, akatenda mashura, akaita mazango, akagadza masvikiro navauki; akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, ndokumutsamwisa nazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Akapinza mwanakomana wake mumoto, akatenda mashura, akaita mazango, akagadza masvikiro navauki; akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, ndokumutsamwisa nazvo.